Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 7:2-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo,

3. uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose.

4. Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.”

5. Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha.

6. Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika.

7. Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu.

8. Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika,

9. mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa.

10. Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika.

11. Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa.

12. Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana.

13. Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka.

14. Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro.

15. Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka.

16. Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 7