Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 6:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze.

15. Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatua, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanub uye makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo.

16. Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe cheted kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro.

17. Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara.

18. Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri.

19. Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe.

20. Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu.

21. Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.”

22. Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 6