Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 50:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika,

3. vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.

4. Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti,

5. ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwire ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ”

6. Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.”

7. Saka Josefa akakwira kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti,

8. tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni.

9. Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo.

10. Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru uye neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 50