Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 5:6-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi.

7. Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

8. Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.

9. Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani.

10. Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

11. Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.

12. Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri.

13. Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

14. Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.

15. Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi.

16. Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

17. Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.

18. Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki.

19. Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 5