Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 5:26-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

27. Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.

28. Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana.

29. Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”

30. Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

31. Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.

32. Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 5