Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 5:17-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.

18. Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki.

19. Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

20. Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.

21. Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera.

22. Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

23. Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.

24. Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.

25. Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki.

26. Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.

27. Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.

28. Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana.

29. Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 5