Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 49:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. “Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri.

9. Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?

10. Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake, kusvikira asvika kumuridzi wawo, uye kuteerera kwendudzi ndokwake.

11. Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa, nomwana wayo padavi rakaisvonaka; achasuka nguo dzake muwaini, zvokufuka zvake muropa ramazambiringa.

12. Meso ake achasviba kupfuura waini, meno ake achachena kupfuura mukaka.

13. “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa uye achava zororo rezvikepe; muganhu wake uchasvika paSidhoni.

14. “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai.

15. Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye akava mubatiri wechibharo.

16. “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri.

17. Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure.

18. “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.

19. “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo.

20. “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 49