Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 49:14-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai.

15. Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye akava mubatiri wechibharo.

16. “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri.

17. Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure.

18. “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.

19. “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo.

20. “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo.

21. “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa, inobereka tsvana dzakaisvonaka.

22. “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa, unobereka uri pedyo netsime, matavi awo anokwira pamadziro.

23. Neshungu vapfuri vanomurwisa; vanomupfura noruvengo.

24. Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, maoko ake akasimba, akagwinya, nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho, nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri,

25. nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira, nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza namaropafadzo okumatenga kumusoro, maropafadzo okwakadzika kuri pasi, maropafadzo amazamu neechizvaro.

26. Maropafadzo ababa vako makuru kupfuura maropafadzo amakomo ekare, kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare. Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa, pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake.

27. “Bhenjamini ibere rinoparadza, mangwanani anodya nyama, madekwana anogovera zvaapamba.”

28. Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.

29. Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti,

30. bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamuri muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 49