Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 47:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Kunyange zvakadaro hazvo, haana kutenga nyika yavaprista, nokuti ivo vaigamuchira migove nguva dzose kubva kuna Faro uye vakanga vane zvokudya zvakakwana kubva pamugove wavaipiwa naFaro. Ndokusaka vasina kutengesa nyika yavo.

23. Josefa akati kuvanhu, “Zvino zvandakutengai nhasi imi nenyika yenyu kuti muve vaFaro, heyi mbeu yokuti mudyare muminda.

24. Asi pamunokohwa, mupe cheshanu chazvo kuna Faro. Zvimwe zvikamu zvina kubva muzvishanu mungazvichengeta henyu sembeu dzomuminda nezvokudya zvenyu navari mudzimba dzenyu navana venyu.”

25. Ivo vakati, “Makaponesa upenyu hwedu. Ngatiwanei hedu nyasha pamberi penyu ishe wedu; tichava varanda kuna Faro.”

26. Saka Josefa akasimbisa izvi somurayiro pamusoro penyika muIjipiti, murayiro uyu uchiri kushanda nanhasi, kuti cheshanu chezvibereko ndechaFaro. Nyika yavaprista bedzi ndiyo yakanga isiri yaFaro.

27. Zvino vaIsraeri vakagara muIjipiti mudunhu reGosheni. Vakawana pfuma ikoko, vakabereka vana uye vakawanda zvikuru.

28. Jakobho akagara muIjipiti kwamakore gumi namanomwe, uye akararama kwamakore zana namakumi mana namanomwe.

29. Nguva yokufa kwaIsraeri yakati yaswedera, akadana mwanakomana wake Josefa uye akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, isa ruoko rwako pasi pechidya changu uye ugovimbisa kuti uchandinzwira ngoni uye uchava wakatendeka. Usandiviga muIjipiti,

30. asi pandinozorora namadzibaba angu, mundibudise muIjipiti uye mundivige pavakavigwa.”Iye akati, “Ndichaita sezvamareva.”

31. Ivo vakati, “Ndipikire.” Ipapo Josefa akapika kwaari, uye Israeri akanamata akasendamira pamusoro wetsvimbo yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 47