Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 46:7-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.

8. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho.

9. Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami.

10. Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.

11. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.

12. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.

13. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.

14. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.

15. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 46