7. Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.
8. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho.
9. Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami.
10. Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.
11. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
12. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
13. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
14. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
15. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.