14. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
15. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.
16. Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.
17. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo akanga ari Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri.
18. Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.
19. Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini.
20. MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni.