Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 46:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.

2. Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.”

3. Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.

4. Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”

5. Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure.

6. Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti.

7. Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 46