Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 44:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. “Ipapo baba vedu vakati, ‘Dzokerai mundotengazve zvimwe zvokudya zvishoma.’

26. Asi isu takati, ‘Hatigoni kuenda. Tichaenda bedzi kana munun'una wedu anesu. Hatigoni kuona chiso chomurume uyo kunze kwokuti munun'una wedu gotwe anesu.’

27. “Muranda wenyu baba vangu vakati kwatiri, ‘Imi munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri.

28. Mumwe wavo akabva kwandiri, uye ndikati, “Zvirokwazvo akabvamburwabvamburwa.” Uye handina kuzomuona kubvira ipapo.

29. Kana mukanditorera iyeyuwo uye kana zvakaipa zvikamuwira, muchaendesa musoro wangu wachena kuguva mukusuwa.’

30. “Saka zvino, kana mukomana akasava nesu pandinodzokera kumuranda wenyu, baba vangu, uye kana baba vangu, avo vakasunganidza upenyu hwavo kuupenyu hwomukomana,

31. vakaona kuti mukomana haapo, vachafa. Muranda wenyu achaendesa musoro wachena wababa vedu kuguva mukusuwa.

32. Muranda wenyu akapa rubatso rwokuchengetedzeka kwomukomana kuna baba vangu. Ndakati, ‘Kana ndikasadzoka naye kwamuri, ndini ndichava nemhosva pamberi penyu, baba vangu, upenyu hwangu hwose!’

33. “Zvino, ndapota, regai henyu muranda wenyu asare kuno senhapwa yashe wangu pachinzvimbo chomukomana, uye murege mukomana adzokere namadzikoma ake.

34. Ndingadzokera sei kuna baba vangu kana mukomana ndisinaye? Kwete! Musandirega ndichiona njodzi ichiuya pamusoro pababa vangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 44