Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 44:19-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ishe wangu akabvunza varanda vake akati, ‘Muna baba kana munun'una here?’

20. Uye isu takapindura tikati, ‘Tina baba vava vatana, uye pano mukomana muduku akaberekwa pautana hwavo. Mukoma wake akafa, uye ndiye oga asara mwanakomana wamai vake, uye baba vake vanomuda.’

21. “Ipapo imi makati kuvaranda venyu, ‘Uyai naye kuno kwandiri kuti ndimuone, ini pachangu.’

22. Uye isu takati kuna she wangu, ‘Mukomana haangasiye baba vake; kana akamusiya, baba vake vangafa.’

23. Asi imi makati kuvaranda venyu, ‘Kunze kwokunge mauya nomunun'una wenyu gotwe, hamungazooni chiso changu.’

24. Patakadzokera kumuranda wenyu, baba vangu, takavaudza zvakanga zvarehwa naishe wangu.

25. “Ipapo baba vedu vakati, ‘Dzokerai mundotengazve zvimwe zvokudya zvishoma.’

26. Asi isu takati, ‘Hatigoni kuenda. Tichaenda bedzi kana munun'una wedu anesu. Hatigoni kuona chiso chomurume uyo kunze kwokuti munun'una wedu gotwe anesu.’

27. “Muranda wenyu baba vangu vakati kwatiri, ‘Imi munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri.

28. Mumwe wavo akabva kwandiri, uye ndikati, “Zvirokwazvo akabvamburwabvamburwa.” Uye handina kuzomuona kubvira ipapo.

29. Kana mukanditorera iyeyuwo uye kana zvakaipa zvikamuwira, muchaendesa musoro wangu wachena kuguva mukusuwa.’

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 44