Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 43:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Vakati kwaari, “Tapota ishe, takauya kuno panguva yokutanga kuti tizotenga zvokudya.

21. Asi patakamira pane imwe nzvimbo usiku, takazarura masaga edu uye mumwe nomumwe wedu akawana mari yake iri pamuromo wesaga, iyo mari yacho yose zvayo. Saka tadzoka nayo.

22. Tauyawo neimwe mari yokuti tizotenga zvokudya. Hatizivi akaisa mari yedu mumasaga edu.”

23. Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari.

24. Mutariri uya akauyisa varume vaya mumba maJosefa, akavapa mvura kuti vashambe tsoka dzavo uye akapa mbongoro dzavo zvokudya.

25. Vakagadzira zvipo zvokupa Josefa pakusvika kwake masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachandodya ikoko.

26. Josefa akati auya kumba, ivo vakamupa zvipo zvavakanga vapinda nazvo mumba, uye vakakotamira pasi kwaari.

27. Iye akavabvunza mufaro, uye ipapo akati, “Vakadii baba venyu mutana vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 43