Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 42:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”

10. Ivo vakapindura vakati, “Kwete, ishe wedu. Varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.

11. Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havazi vasori.”

12. Iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 42