Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 42:26-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. vakatakudza mbongoro dzavo zviyo uye vakaenda.

27. Panzvimbo yavakavata usiku, mumwe wavo akazarura saga rake kuti atorere mbongoro yake zvokudya, uye akaona mari yake pamuromo wesaga rake.

28. Akati kuna vamwe vake, “Mari yangu yadzoserwa. Heyi iri musaga rangu.” Mwoyo yavo yakati rukutu uye vakatarisana vachidedera, uye vakati, “Chiiko ichi chataitirwa naMwari?”

29. Pavakasvika kuna baba vavo Jakobho munyika yeKenani, vakamuudza zvakanga zvaitika kwavari. Vakati,

30. “Murume anova ndiye ishe pamusoro penyika iyo akataura nesu nehasha uye akatiita sokunge taiva vasori munyika.

31. Asi takati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka; hatisi vasori.

32. Takanga tiri vanakomana gumi navaviri vababa vamwe chete. Mumwe haachipo, uye gotwe ndiye ana baba vedu zvino kuKenani.’ ”

33. “Ipapo murume anova ndiye ishe panyika iyo akati kwatiri, ‘Hechi chinhu chichandizivisa kana muri vanhu vakatendeka: Siyai mumwe wenyu neni pano, mugotakura zvokudya zvemhuri dzenyu dziri kuziya muende.

34. Asi muuye nomunun'una wenyu gotwe kwandiri kuitira kuti ndigoziva kuti hamuzi vasori, asi kuti muri vanhu vakatendeka. Ipapo ndichadzosera mumwe wenyu kwamuri, uye mungazotenga henyu muno munyika.’ ”

35. Pavakanga vachidurura masaga avo, wanei musaga romumwe nomumwe wavo makanga mune homwe yake yesirivha! Ivo nababa vavo pavakaona mari muhomwe, vakatya.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 42