Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 42:14-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi!

15. Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge munun'una wenyu gotwe auya pano.

16. Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!”

17. Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu.

18. Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari.

19. Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya.

20. Asi munofanira kuuya nomunun'una wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita.

21. Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomunun'una wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.”

22. Rubheni akapindura akati, “Ko, handina kukuudzai here kuti murege kutadzira mukomana? Asi hamuna kuda kunditeerera! Zvino tinofanira kuzvidavirira nokuda kweropa rake.”

23. Havana kuziva kuti Josefa aigona kuvanzwisisa, sezvo akanga achishandisa mududziri.

24. Akabva pavari uye akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa.

25. Josefa akarayira kuti masaga avo azadzwe nezviyo, vaise mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti vapiwe mbuva yorwendo rwavo. Shure kwokuitirwa kwavo izvi,

26. vakatakudza mbongoro dzavo zviyo uye vakaenda.

27. Panzvimbo yavakavata usiku, mumwe wavo akazarura saga rake kuti atorere mbongoro yake zvokudya, uye akaona mari yake pamuromo wesaga rake.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 42