Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 42:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havazi vasori.”

12. Iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”

13. Asi vakapindura vakati, “Varanda venyu vaiva gumi navaviri, vari vanakomana vomunhu mumwe, anogara munyika yeKenani. Gotwe ndiye ari kuna baba vedu iye zvino, uye mumwe haachisipo.”

14. Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi!

15. Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge munun'una wenyu gotwe auya pano.

16. Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!”

17. Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu.

18. Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari.

19. Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya.

20. Asi munofanira kuuya nomunun'una wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita.

21. Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomunun'una wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.”

22. Rubheni akapindura akati, “Ko, handina kukuudzai here kuti murege kutadzira mukomana? Asi hamuna kuda kunditeerera! Zvino tinofanira kuzvidavirira nokuda kweropa rake.”

23. Havana kuziva kuti Josefa aigona kuvanzwisisa, sezvo akanga achishandisa mududziri.

24. Akabva pavari uye akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 42