Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 41:33-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera uye amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti.

34. Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze cheshanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta.

35. Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya.

36. Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”

37. Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose.

38. Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?”

39. Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe.

40. Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”

41. Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.”

42. Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake.

43. Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose.

44. Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.”

45. Faro akatumidza Josefa zita rokuti ZafenatiPanea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 41