Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 41:23-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva.

24. Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza n'anga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.”

25. Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita.

26. Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana.

27. Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara.

28. “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita.

29. Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti,

30. asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika.

31. Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo.

32. Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza.

33. “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera uye amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti.

34. Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze cheshanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 41