Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 41:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Makore maviri azere akati apfuura, Faro akarota hope: Akanga amire paNairi.

2. Uye mhou nomwe dzakanga dzakanaka, dzakakora, dzakabuda murwizi dzikafura pakati petsanga.

3. Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe, dzakanga dzakashata uye dzakaonda, dzakabuda muNairi, dzikamira parutivi rwedziya dzaiva kumahombekombe orwizi.

4. Uye mhou dziya dzakanga dzakashata, dzakaonda, dzakadya mhou dziya dzakanga dzakanaka uye dzakakora. Ipapo Faro akapepuka.

5. Akavatazve hope uye akarota kechipiri: Hura dzezviyo nomwe dzakanga dzakakora uye dzakanaka, dzakanga dzichikura padzinde rimwe.

6. Shure kwadzo, dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakabuda, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva.

7. Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota.

8. Mangwanani pfungwa dzake dzakatambudzika, saka akatuma shoko kun'anga dzose navachenjeri veIjipiti. Faro akavaudza kurota kwake, asi hakuna munhu akagona kuzvidudzira kwaari.

9. Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu.

10. Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 41