Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 40:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti.

2. Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru,

3. akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa.

4. Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, iye akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva.

5. Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetewo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva.

6. Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa.

7. Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?”

8. Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 40