Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 4:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romunun'una wako kubva paruoko rwako.

12. Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”

13. Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura.

14. Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.”

15. Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.

16. Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 4