Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 38:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Zvichakadaro, Judha akatuma shamwari yake muAdhuramu nembudzana iya kuitira kuti chitsidzo chake chidzoswe kwaari kubva kumukadzi uya, asi haana kumuwana.

21. Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutuvi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.”

22. Saka iye akadzokerazve kuna Judha akandoti, “Handina kumuwana. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanogara ikoko vakati, ‘Hakuna kumbova nechifeve kuno.’ ”

23. Ipapo Judha akati, “Regai achengete zvaanazvo, kuti arege kuzova chiseko. Zvakadaro ndanga ndamutumira mbudzana iyi, asi hauna kugona kumuwana.”

24. Shure kwemwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari ane mhosva youfeve, uye nokuda kwaizvozvo ava nemimba.” Judha akati, “Mubudisei apiswe afe!”

25. Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.”

26. Judha akazviziva uye akati, “Iye akarurama kupfuura ini, sezvo ndanga ndisingadi kumupa kumwanakomana wangu Shera.” Uye haana kuzovata naye zvakare.

27. Nguva yake yokupona yakati yasvika, mudumbu make makanga muna vanakomana vaviri.

28. Paakanga achipona, mumwe wavo akabudisa ruoko rwake; saka vanyamukuta vakatora rushinda rutsvuku vakamusunga paruoko rwake uye vakati, “Uyu ndiye atanga kubuda.”

29. Asi akati adzosera ruoko rwake mukati, munun'una wake akabuda, uye vakati, “Saka ndiwo mabudiro awaita nhai!” Uye akatumidzwa zita rokuti Perezi.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 38