Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 38:16-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Asingazivi kuti akanga ari muroora wake, akaenda kwaari parutivi rwenzira akati, “Uya zvino, rega ndivate newe.” Iye akati, “Unozondipei kuti ndivate newe?”

17. Iye akati, “Ndingakupa mbudzana kubva muboka rangu rembudzi.” Iye akati, “Ungandipa chimwe chinhu here kuti chive chitsidzo kusvikira wazonditumira?”

18. Iye akati, “Ndingakupa chitsidzo cheiko?” Akapindura akati, “Mhete yako yechisimbiso norutambo rwayo, netsvimbo iri muruoko rwako.” Saka akamupa izvozvo uye akavata naye, uye akava nemimba naye.

19. Shure kwokubva kwake ipapo akabvisa chifukidzo ndokubva apfekazve nguo dzake dzechirikadzi.

20. Zvichakadaro, Judha akatuma shamwari yake muAdhuramu nembudzana iya kuitira kuti chitsidzo chake chidzoswe kwaari kubva kumukadzi uya, asi haana kumuwana.

21. Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutuvi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.”

22. Saka iye akadzokerazve kuna Judha akandoti, “Handina kumuwana. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanogara ikoko vakati, ‘Hakuna kumbova nechifeve kuno.’ ”

23. Ipapo Judha akati, “Regai achengete zvaanazvo, kuti arege kuzova chiseko. Zvakadaro ndanga ndamutumira mbudzana iyi, asi hauna kugona kumuwana.”

24. Shure kwemwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari ane mhosva youfeve, uye nokuda kwaizvozvo ava nemimba.” Judha akati, “Mubudisei apiswe afe!”

25. Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.”

26. Judha akazviziva uye akati, “Iye akarurama kupfuura ini, sezvo ndanga ndisingadi kumupa kumwanakomana wangu Shera.” Uye haana kuzovata naye zvakare.

27. Nguva yake yokupona yakati yasvika, mudumbu make makanga muna vanakomana vaviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 38