Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 37:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.

9. Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvakanga zvichindipfugamira.”

10. Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?”

11. Madzikoma ake akamuitira godo, asi baba vake vakazvichengeta mumwoyo mavo.

12. Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu,

13. uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.” Iye akati, “Zvakanaka.”

14. Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, uye ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni. Josefa akati asvika kuShekemu,

15. mumwe murume akamuwana achidzungaira musango uye akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?”

16. Iye akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?”

17. Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Saka Josefa akatevera madzikoma ake uye akandovawana pedyo neDhotani.

18. Asi vakamuona achiri kure, uye asati asvika kwavari, ivo vakarangana kumuuraya.

19. Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya!

20. Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya uye tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 37