Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 37:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.

4. Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka.

5. Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga.

6. Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi:

7. Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamire chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 37