Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 37:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.

26. Judha akati kuhama dzake, “Tichawaneiko kana tikauraya munun'una wedu uye tikafushira ropa rake?

27. Uyai, ngatimutengesei kuvaIshumaeri ava uye tirege kutambanudza maoko edu paari; pamusoro pezvo iye munun'una wedu, nyama yedu neropa redu.” Madzikoma ake akatenderana.

28. Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviria esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti.

29. Rubheni paakadzokera kutsime uye akawana Josefa asisimo akabvarura nguo dzake.

30. Akadzokerazve kuvanun'una vake akati, “Mukomana haasisimo! Zvino ndichaendepiko?”

31. Ipapo vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi ndokunyika nguo iya muropa.

32. Vakatora nguo iya yakaisvonaka vakaenda nayo kuna baba vavo vakati, “Takanonga ichi. Cherechedzai muone kana ingava nguo yomwanakomana wenyu.”

33. Iye akaiziva uye akati, “Inguo yomwanakomana wangu! Zvimwe zvikara zvesango zvamudya. Zvirokwazvo Josefa akabvamburwa-bvamburwa.”

34. Ipapo Jakobho akabvarura nguo dzake, akapfeka nguo dzamasaga uye akachema mwanakomana wake kwamazuva mazhinji.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 37