Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 37:14-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, uye ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni. Josefa akati asvika kuShekemu,

15. mumwe murume akamuwana achidzungaira musango uye akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?”

16. Iye akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?”

17. Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Saka Josefa akatevera madzikoma ake uye akandovawana pedyo neDhotani.

18. Asi vakamuona achiri kure, uye asati asvika kwavari, ivo vakarangana kumuuraya.

19. Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya!

20. Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya uye tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.”

21. Rubheni akati anzwa izvi, akaedza kumununura kubva mumaoko avo. Akati, “Ngatiregei kumuuraya.

22. Regai kuteura ropa. Mukandei mutsime iri muno mugwenga, asi regai kutambanudza maoko enyu paari.” Rubheni akareva izvozvi kuti amununure kwavari uye kuti agomudzosera kuna baba vake.

23. Saka Josefa akati asvika kumadzikoma ake, vakamubvisa nguo yake, iyo nguo iya yakanga yakaisvonaka yaakanga akapfeka,

24. uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura.

25. Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 37