Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 37:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jakobho akagara munyika yakanga yambogarwa nababa vake, iyo nyika yeKenani.

2. Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo.

3. Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.

4. Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka.

5. Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 37