Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 37:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jakobho akagara munyika yakanga yambogarwa nababa vake, iyo nyika yeKenani.

2. Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo.

3. Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.

4. Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka.

5. Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga.

6. Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi:

7. Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamire chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.”

8. Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.

9. Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvakanga zvichindipfugamira.”

10. Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?”

11. Madzikoma ake akamuitira godo, asi baba vake vakazvichengeta mumwoyo mavo.

12. Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu,

13. uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.” Iye akati, “Zvakanaka.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 37