Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 36:9-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.

10. Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau Adha, naReueri, mwanakomana waBhasemati mukadzi waEsau.

11. Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi.

12. Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.

13. Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.

14. Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau vaiva: Jeushi, Jaramu naKora.

15. Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi,

16. Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.

17. Vanakomana vaReueri mwanakomana waEsau vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.

18. Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau vaiva: madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.

19. Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.

20. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,

21. Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 36