Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 36:32-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Bhera mwanakomana waBheori akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.

33. Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

34. Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.

35. Hushani akati afa, Kadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.

36. Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

37. Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 36