Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 36:30-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Dishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.

31. Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:

32. Bhera mwanakomana waBheori akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.

33. Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

34. Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.

35. Hushani akati afa, Kadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.

36. Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

37. Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.

38. Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 36