Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 36:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.

20. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,

21. Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.

22. Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomani. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.

23. Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.

24. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.

25. Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama mwanakomana waAna.

26. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

27. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani.

28. Vanakomana vaDishani vaiva: Uzi naArani.

29. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,

30. Dishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.

31. Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 36