Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 35:7-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.

8. Zvino Dhebhora, mureri waRabheka, akafa uye akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti.

9. Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza.

10. Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, asi hauchanzi Jakobho, zita rako richanzi Israeri.” Saka akamutumidza zita rokuti Israeri.

11. Uye Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; berekenai muwande. Rudzi neboka rendudzi zvichabva kwauri, uye namadzimambo mauri.

12. Nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndinoipawo kwauri, uye ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako zvinokutevera.”

13. Ipapo Mwari akakwira kudenga akabva panzvimbo yaakanga ataura naye.

14. Jakobho akamisa mbiru yebwe panzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye, uye akadururira chipiriso chinonwiwa pariri; akadirawo mafuta pariri.

15. Jakobho akatumidza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri.

16. Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru.

17. Uye paakanga achitambudzika zvikuru pakupona mwana, mbuya vaimuchengeta vakati kwaari, “Usatya, nokuti uno mumwe mwanakomana.”

18. Paakabudisa mweya wake, nokuti akanga ofa, akatumidza mwanakomana wake zita rokuti BheniOni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini.

19. Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema).

20. Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 35