Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 35:5-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo vakasimuka, uye kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera.

6. Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani.

7. Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.

8. Zvino Dhebhora, mureri waRabheka, akafa uye akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti.

9. Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza.

10. Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, asi hauchanzi Jakobho, zita rako richanzi Israeri.” Saka akamutumidza zita rokuti Israeri.

11. Uye Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; berekenai muwande. Rudzi neboka rendudzi zvichabva kwauri, uye namadzimambo mauri.

12. Nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndinoipawo kwauri, uye ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako zvinokutevera.”

13. Ipapo Mwari akakwira kudenga akabva panzvimbo yaakanga ataura naye.

14. Jakobho akamisa mbiru yebwe panzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye, uye akadururira chipiriso chinonwiwa pariri; akadirawo mafuta pariri.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 35