Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 35:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo uye nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifusira pasi pomuouki weShekemu.

5. Ipapo vakasimuka, uye kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera.

6. Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani.

7. Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 35