Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 33:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri.

2. Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure.

3. Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake.

4. Asi Esau akamhanya kundosangana naye uye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema.

5. Ipapo Esau akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, “Ndivanaaniko ava vaunavo?” Jakobho akapindura akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.”

6. Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi.

7. Zvimwe chetezvo, Rea navana vake vakasvika uye vakakotama pasi. Mushure mavo vose Josefa naRakeri, naivowo vakakotama pasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 33