Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 33:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri.

2. Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure.

3. Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake.

4. Asi Esau akamhanya kundosangana naye uye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 33