Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 30:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!”

2. Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?”

3. Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni ndigovawo nemhuri.”

4. Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye,

5. uye akava nemimba akamuberekera mwanakomana.

6. Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani.

7. Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.

8. Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, uye ndikakunda.” Saka akatumutumidza zita rokuti Nafutari.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 30