Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 29:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru.

3. Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime.

4. Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.”

5. Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.”

6. Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.”

7. Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”

8. Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”

9. Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi.

10. Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake.

11. Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri uye akachema zvikuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 29