Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 25:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake uye akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.

9. Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti,

10. munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara.

11. Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.

12. Iyi ndiyo nhoorondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.

13. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,

14. Mishima, Dhuma, Masa,

15. Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema.

16. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.

17. Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, uye akasanganiswa navanhu vake.

18. Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.

19. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka,

20. uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 25