Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 25:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau.

26. Shure kwaizvozvo, munun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.

27. Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende.

28. Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.

29. Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara!

30. Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).

31. Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”

32. Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”

33. Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.

34. Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 25