Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 25:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.

21. Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.

22. Vana vakanga vachisundana mukati make, uye iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.

23. Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.”

24. Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake.

25. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau.

26. Shure kwaizvozvo, munun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 25