Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 25:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Iye akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.

3. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi.

4. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.

5. Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka.

6. Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.

7. Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu.

8. Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake uye akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.

9. Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti,

10. munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara.

11. Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 25