Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 25:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Iyi ndiyo nhoorondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.

13. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,

14. Mishima, Dhuma, Masa,

15. Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema.

16. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 25