Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 25:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura.

2. Iye akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.

3. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi.

4. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.

5. Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka.

6. Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.

7. Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu.

8. Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake uye akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.

9. Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti,

10. munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara.

11. Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.

12. Iyi ndiyo nhoorondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.

13. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,

14. Mishima, Dhuma, Masa,

15. Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema.

16. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.

17. Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, uye akasanganiswa navanhu vake.

18. Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 25