Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 23:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Efuroni muHiti akanga agere pakati pavanhu vake uye akapindura Abhurahama, vaHiti vose vakanga vauya pasuo reguta vachizvinzwa,

11. akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.”

12. Zvakare Abhurahama akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika

13. uye akati kuna Efuroni vachizvinzwa, “Nditeerere, kana uchida. Ndicharipa mutengo womunda. Ugamuchire hako kubva kwandiri kuti ndigoviga vakafa vangu imomo.”

14. Efuroni akapindura Abhurahama akati,

15. “Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana manaa esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.”

16. Abhurahama akabvumirana nomutengo waEfuroni uye akamuyerera mutengo waakanga areva vaHiti vachizvinzwa; mazana mana amashekeri esirivha, maererano nomutengo waivapo pakati pavatengesi.

17. Saka munda waEfuroni muMakapera pedyo neMamure, zvose munda nebako zvaive mauri, nemiti yose yaiva pakati pomuganhu womunda, zvakapiwa

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 23